John 20

Kumuka kwaJesu

1Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva. 2Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika. 3Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva. 4Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva. 5Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda. 6Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa, 7nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega. 8Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda; 9nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa. 10Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.

Jesu anozviratidza kuna Maria

11Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva, 12akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu. 13Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika. 14Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu. 15Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora. 16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi. 17Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu. 18Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.

Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi asipo

19Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri. 20Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe. 21Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai. 22Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene. 23Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.

Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi avapo

24Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya. 25Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi. 26Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri. 27Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda. 28Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu! 29Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda. 30Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. 31Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.

Copyright information for Shona